Kereke yave bako rine makudo


MuPorofita Shiri arikupomerwa mhosva yokurova nhengo yekereke yake 20 Feb 24

Click here to watch video

Veruzhinji muKwekwe vari kushushikana nekumbunyikidzwa kuri kuitwa vatendi mumakereke ,zvichitevera nyaya yekurohwa kweumwe munhukadzi nemutungamiri wesangano.

Mutungamiri wesangano re Springs of the Living Waters Simabyu Shiri ane makore (35)ekuberekwa ari kupomerwa mhosva yokuzvambaradza imwe nhengo yesangano iri Violet Ndhleleni ane makore(54) achimunenezera mhosva yokuita makuhwa.

Pa Audio yaitenderera padandemutande Shiri anonzwikwa achiranga Ndhleleni achishandisa maoko uye akataridza kuti hakasi kekutanga kurova nhengo dzekereke sezvo ayimbenge arova vamwe varume vaviri.

Vagari vemuKwekwe nevari kunze kwenyika vakavhundutswa zvikuru nechiitiko ichi .

‘’tinotarisira kuti vafundisi vave ivo vanochengetedza nhengo kusanganisira chirikadzi nevakwegura. Zvino kana mufundisi ozvambaradza chembere zvinoreveiko’’ akadaro Susan Moyo.

‘’Dai makereke anoita izvi vambomisva kuungana ,nokuti kuisa upenyu hweveruzhinji munjodzi’’akadaro Moyo.

Munyori mumubatanidzwa wePastors’ Fratenity Mudunhu reKwekwe Rev Calisto Mapfumo vakati ivo hazvina kunaka kurwisana ,vakakurudzira kuti kana pachinge paitika mhirizhonga veruzhinji vanofanira kumhan’ara kumapurisa.

‘’pane zvatinokuridzira vanhu kuti vaite Report, zvikuru kana pane nenyaya dze Gender Based Violence zvinenge zvoda kuti vanhu varepote,’’

‘’ zvose zvinenge zvave nehu Criminality mukati nekukuvadzana we advise people kuti vaende vachiReporter nekuti zvinenge zvisisiri under our juridiction’’

Rev Mapfumo vakakurudzira kuti veruzhinji vayedze kutsvaga nzira dzokugadzirisana murunyararo

‘’chero munhu uchinge wavhiringwa panofanirwa kutsvagwa nzira dzokugadzirisana kuitira kuti mangwana mugogona kutarisana zvakare ’’ vakadaro Rev Mapfumo

Zviitiko zvekumbunyikidzwa zvatekeshera .Angova mazvake mazvake mumakereke kuita bako rizere makudo.

Vazhinji vanorasikirwa nehupfumi hwavo ,vamwe vanorasikirwa newanano yangove wapusa wapusa tamba wakachenjera.

vamwe voti kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

Kuvanzurudzwa kwenyaya dzakadai ndiko koita kuti tsika iyi ipararire semoto wesango.